Isaiah 34

Kutongwa kweNdudzi

1Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe.
Teererai, imi vanhu!
Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi,
pasi pose, nezvose zvinobudamo!
2Jehovha akatsamwira ndudzi dzose;
hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose.
Achavaparadza chose,
achaita kuti vaurayiwe.
3Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze,
mitumbi yavo ichanhuhwa;
makomo achanyorova neropa ravo.
4Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika,
uye denga richapetwa sorugwaro;
marudzi ose enyeredzi achawa
samashizha akaoma abva pamuzambiringa,
samaonde akasvava abva pamuonde.
5Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga;
tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu,
vanhu vandakaparadza chose.
6Munondo waJehovha wakanyura muropa,
wakafukidzwa namafuta,
iro ropa ramakwayana nerembudzi,
namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe.
Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira
uye nokuuraya kukuru muEdhomu.
7Nyati dzichawa pamwe navo
nehono dzemhuru nehando huru.
Nyika yavo ichanyorova neropa,
uye guruva richazara mafuta.

8Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva
negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.
9Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo,
guruva rayo richapisa sesafuri;
nyika yayo ichava namo inopfuta!
10Haingadzimwi usiku namasikati;
utsi hwayo huchakwira nokusingaperi.
Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa;
hapana munhu achazopfuura napozve.
11Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi;
zizi guru negunguo zvichaita matenderemo.
Mwari achatambanudzira Edhomu
rwodzi rwokuyera,
rwenyonganiso nerwokuparadza.
12Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo,
machinda ake ose achapera.
13Minzwa ichatandira nhare dzayo,
utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa.
Ichava ugaro hwamakava,
nomusha wamazizi.
14Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere,
uye ngururu dzichadaidzirana;
zvikara zvousiku zvichazororapo,
uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.
15Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo,
richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro;
makondo achaunganapo,
rimwe nerimwe neshamwari yaro.
16Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava:

Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa,
kana chichashaya shamwari.
Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo,
uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.
17Anozvigovera migove yazvo;
ruoko rwake runozvigovera nechiyero.
Zvichava zvazvo nokusingaperi
uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
Copyright information for SnaBDSC